Safeguarding

Kuzvipira kwedu pakuchengetedzwa

Vana vese, vanhu vakuru, mhuri nenharaunda dzatinosangana nadzo kana vatinoshandidzana navo (pamasai-sai kana kuti mbune) vanofanirwa kuchengetedzwa, kusasarudzwa uye kuva nemushandirapamwe usina kudzvanyirirwa, kukuvadzwa nekushungurudzwa.

Tinoita zvese zvatinogona kuti vana nemhuri dzavo varemekedzwe uye vachengetedzwe. Vese vanomiririra Neotree (kusanganisira maTrustee, vashandi, vatinobata pamwe navo) vakadzidziswa nezvekuchengetedzwa uye vakazvipira kutevedzera gwaro redu rekuchengetedzwa reSafeguarding Policy, mukushanda uye mukurarama kwavo panguva dzese. Izvi zvinotibatsira kuve nechipimo chepamusoro mukushanda nevana, vanhu vakuru nenharaunda panguva dzose. Kana muchifunga kuti izvi hazvina kuitika kana kuti hamuna kugadzikana nemabatiro kana mashandiro evashandi veNeotree, tapota tizivisei nekukurumidza.

Mashandiro anotarisirwa kubva kuvashandi nevakamirira Neotree akanyorwa zvakajeka mugwaro redu rekuchengetedzwa reSafeguarding Policy. Hatitenderi zvachose mukushanda kwedu nhau dzekumbunyikidzwa kana kushungurudzwa kwevana kana vanhu vakuru vari panjodzi. Kana mune kusagadzikana maererano nekuchengetedzeka kwemwana kana munhu mukuru ari panjodzi kana mashandiro emumiririri weNeotree, tapota mhan’arai nyaya iyoyo.

Make a donation

Neotree relies on donations and grant funding. We would love your support to roll out the Neotree system to further sites and reduce newborn mortality.